فَنَادَتْهُ الْمَلٰۤىِٕكَةُ وَهُوَ قَاۤىِٕمٌ يُّصَلِّيْ فِى الْمِحْرَابِۙ اَنَّ اللّٰهَ يُبَشِّرُكَ بِيَحْيٰى مُصَدِّقًاۢ بِكَلِمَةٍ مِّنَ اللّٰهِ وَسَيِّدًا وَّحَصُوْرًا وَّنَبِيًّا مِّنَ الصّٰلِحِيْنَ
fanādathul-malā'ikatu wa huwa qā'imuy yuṣallī fil-miḥrāb(i), annallāha yubasysyiruka biyaḥyā muṣaddiqam bikalimatim minallāhi wa sayyidaw wa ḥaṣūraw wa nabiyyam minaṣ-ṣāliḥīn(a).
Ipapo ngirozi dzakamudana, paakanga akamira achinyengetera mumihrab, "Allah anokuunzirai mashoko akanaka (nekuzvarwa kwa) Yahya, uyo anosimbisa chirevo (shoko) kubva kuna Allah, muenzaniso, anokwanisa kuzvidzora (kubva pakuchiva) uye muporofita pakati pevatsvene."
وَّحَنَانًا مِّنْ لَّدُنَّا وَزَكٰوةً ۗوَكَانَ تَقِيًّا ۙ
wa ḥanānam mil ladunnā wa zakāh(tan), wa kāna taqiyyā(n).
uye (Tinoita) tsitsi (kune vamwe) kubva kwatiri uye kuchenesa (kubva muchivi). Uye zvakare murume anozvipira,
وَّبَرًّاۢ بِوَالِدَيْهِ وَلَمْ يَكُنْ جَبَّارًا عَصِيًّا
wa barram biwālidaihi wa lam yakun jabbāran ‘aṣiyyā(n).
uye ainyatsozvipira kuvabereki vake, uye akanga asiri munhu anozvikudza (kana kuti) munhu asingateereri.